Skip to main content

    Shona Catholic Hymn

    Hosana Mwanakomana WaDavid

    Shona Catholic HymnHymn 106Lyrics available

    Hymn Lyrics

    106 Hosana Mwanakomana WaDavid


    Hosana Mwanakomana WaDavid -D. T. Zavazava

    M· Hosana mwanakomana waDavid Mwana waDavid
    V All Samutumwa waMambo ngaarumbidzwe Nyamatengatenga

    Madetembo:

    1. Uchirai imi vanhu vose
    2. Pururudzirai Mwari nenzwi romufaro
    3. Nokuti Mwari wokumusorosoro anotyisa
    4. Ndiye Mambo mukuru wenyika yose
    5. Ndiye anokundisa ndudzi dzavanhu
    6. Anodziisa pasi petsoka dzake
    7. Ndiye anotigovera nhaka yedu
    8. !nova fuma yavanhu vaanoda
    9. Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza
    10.Dzishaurei nmwoyo inofara
    11.Nokuti Mwari ndiye Mambo wapasi pose
    12.Muimbirei mupemberei muchifara
    13.Mwari anotonga vasiri veboka rake
    14.Mwari agere pachigaro chake choumambo
    15.Vatongi vose vari pasi paMwari
    16.Anova ndiye mutongi wavo vose

    Chorus:

    All Hosana ngaarumbidzwe Nyamatengatenga

    “Sing to the Lord, all the earth; proclaim his salvation day after day.”

    1 Chronicles 16:23

    Ask ZimCatholicSongs

    Hello! I'm your ZimCatholicSongs assistant. Ask me about hymns, prayers, the Bible, blog articles, or our latest videos — I'll point you to the right page. 🙏