Hymn Lyrics
161 Ipai Rutendo
Ipai Rutendo -M Makamure
M· Ipai rutendo
V All Kuna Mambo wakanaka
M· Mambo
V All Tsitsi dzake hadziperi
Madetembo:
l.Ndiye woga anoita manenji makuru --- Ndiye wakasika denga noungwaru
2.Ndiye wakasika nyika nemvura --- Ndiye wakakunda ,masimba asatani
3.Wakasunungura vanhu vake kuzvivi -- Wakaita izvi nesimba rake oga
4.Ndiye wakatipa mvura yebhapatisimo --- Munova ndimo munoponeswa
vatenderi
5.Munova ndimo munonyudzwa huipi --- Wakatibatsira vanhu vake munhamo
6.Wakatirwira k:uvavengi vavo --- Ndok:uvapa nyika yavakapikira
Chorus:
All Mambo moyochena --- tsitsi dzake hadzi-peri
