Skip to main content

    Shona Catholic Hymn

    Ivai Norufaro Hama Dzangu

    Shona Catholic HymnHymn 170Lyrics available

    Hymn Lyrics

    170 Ivai Norufaro Hama Dzangu


    Ivai Norufaro Hama Dzangu -R. Musiiwa

    M· Ivai norufaro-ho hama dzangu
    V SIA Ivai norufaro -o kana muchipinda muzviedzo, zviedzo zvizhinji, nokuti kana mukaedzwa mukutenda kwenyu munozogona kutsungirira
    B Hama dzangu ivai norufaroho, hama dzangu iva norufaroho, nokuti kana mukaedzwa, mukaedzwa munozogona kutsungirira

    Madetembo:

    l.Kana mumwe wenyu asina uchenjeri ngaakumbire kuna Mwari agopihwa
    2.Ngaakumbire kuna Mwari nokuti anopa vanhu vose zvakawanda asinganyunyuti
    3.Munhu iyeye ngaarege kufunga kuti anozopiwa chinhu naTenzi
    4.Munhu iyeye ane mwoyo miviri anoshanduka mukuita kwake.

    Chorus:

    SIA Asi ngaakumbire muk:utenda, ngaarege kukumbira achizeeza nokuti munhu anozeza anofanana namafungu omugungwa anosaidzirwa nemhepo
    B Ngaakumbire muk:utenda, ngaarege kukumbira achizeza --- munhu anozeza anofanana namafungu --- anosaidzirwa nemhepo.

    “Sing to the Lord, all the earth; proclaim his salvation day after day.”

    1 Chronicles 16:23

    Ask ZimCatholicSongs

    Hello! I'm your ZimCatholicSongs assistant. Ask me about hymns, prayers, the Bible, blog articles, or our latest videos — I'll point you to the right page. 🙏