Skip to main content

    Shona Catholic Hymn

    Baba Vano Rudo

    Shona Catholic HymnHymn 44Lyrics available

    Hymn Lyrics

    44 Baba vanorudo


    M·SIA Baba vano rudo-o-o
    VS/A Muvavariro yenyu yekutizivisa nezveupenyu husingaperi makatuma mwanakomana wenyu Yesu Kristo kuti asvitse vanhu vose kuumambo hwenyu --- tinokukumbirisai kuti musimbaradze vanhu venyu mubasa ravo rokuparidza dama dama rakanaka kumarudzi ose avanhu munyika yedu ino yeAfrica
    BIT --- Muvavariro- muvavariro yenyu makatuma mwanakomana kuti asvitse vanhu kuumambo hwenyu --- tinokumbirisa kuti musimbaradze vanhu venyu mubasa ravo nokuparidza da-a-ma rakanaka kumarudzi ose avanhu munyika yedu ino yeAfrica
    Madetembo:
    l.Pane kusaaziva mupe ruzivo
    2.Pane kutyaa mupe kushinga
    3.Pane udzvinyiriri mupe ruenzaniso
    4.Pane kurwisana mupe rugare
    5.Tinokukumirai izvi nomuna Yesu Kristo Mambo wedu Amen
    Chorus:
    Dai mweya mutsvene angotitungamirirawo mukugadzirira nzira dzokuparidza shoko raMwari kuti vanhu vose vomuno muAfrica vave vateveri venyu uye tivadzidzise kuti vazive vagokwanisa kutevedzea zvose zvamakati-tsidzira
    --- Dai Mweya mutsvene angotitungamirirawo nzira dzokuparidza shoko raMwari --- vanhu vomuno muAfrica vave vateveri venyu tivadzidzise kuti vazive vagokwanisa kutevedzera zvose zvamakatitsidzira

    “Sing to the Lord, all the earth; proclaim his salvation day after day.”

    1 Chronicles 16:23

    Ask ZimCatholicSongs

    Hello! I'm your ZimCatholicSongs assistant. Ask me about hymns, prayers, the Bible, blog articles, or our latest videos — I'll point you to the right page. 🙏