Skip to main content

    Shona Catholic Hymn

    Baba Vetsitsi Ndinokutendai

    Shona Catholic HymnHymn 50Lyrics available

    Hymn Lyrics

    50 Baba Vetsitsi Ndinokutendai


    Baba Vetsitsi Ndinokutendai- R. Zinyohwera

    M Baba vetsitsi ndinokutendai nomoyo wangu wose
    VS/A Ndimi makanaka kwazvo mabvisa mhosva dzangu mandipa rugare rwandakarasa rudo rwenyu haruna mugumo
    B --- Makanaka kwazvo mabvisa mhosva dzangu dzose mandipa rugare --­ nokutadza kwangu rudo rwenyu haruna mugumo

    Madetembo:

    l.Nesakaramende iro rorupinduko masimbisisa mweya wangu nomoyo wangu kuti ndigokurira zviedzo zvose.
    2. Ndinonyanyokutarisira rubatsiro rwenyu mundivandudze nesimba ramweya wenyu musande anogara mandiri.
    3. Maria amai vaMwari vadiwa namai vanguwo imi ndireverereiwo .
    4. Angere muchengeti wangu garai paneni mundichengete mundidzivirire -e zvakaipa zvose.

    Chorus:

    SIA Ndipei kuteerera kuraira kwenguva dzose ndirege kuvhunduka kutonga k wenyu nguva yokufa kwangu
    B --- Kuteerera kuraira kwenyu ndibatsirei --- kuvhunduka kutonga kwenyu nguva yokufa kwangu

    “Sing to the Lord, all the earth; proclaim his salvation day after day.”

    1 Chronicles 16:23

    Ask ZimCatholicSongs

    Hello! I'm your ZimCatholicSongs assistant. Ask me about hymns, prayers, the Bible, blog articles, or our latest videos — I'll point you to the right page. 🙏