Skip to main content

    Minamato Yemisi Yose

    Muunganidzwa wakazara weminamato yechiKatorike muchiShona.

    Ndinotendera Mwari

    Tinotendera Mwari baba ana masimba ose, Musiki wedenga napasi. Tinotendera Yesu Kristo, mwanakomana wake mumwe chete, mambo wedu, akazvarwa naMariya muvirigo nesimba raMweya Mutsvene. Akatongerwa kutambudzika naPonsiyo Pirato, akarovererwa pachipiyaniso, akafa akavigwa, akaenda kuvafi. Zuva retatu, akamuka. Akakwira kudenga, kwaagere kurudyi rwaMwari Baba ana masimba ose; achabvako kuzotonga vapenyu navafi. Tinotendera Mweya Mutsvene; Kirike sande katorike, kubatana kwavasande, kuregererwa kwamatadzo, kumuka kwomuviri noupenyu husingaperi.

    Amen.

    Baba Vedu

    Baba Vedu muri kudenga, zita renyu ngarinamatwe; umambo hwenyu ngahusvike, kuda kwenyu ngakuitwe, pasi sokudenga. Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva, mutiregererewo zvatakakutadzirai sokuregerera kwatinoita vakatitadzira, musatirege tichiwira mune zvinotiedza, asi mutinunure kune zvakaipa.

    Amen.

    Vakudzwe Baba

    Vakudzwe Baba, neMwanakomana, naMweya Musande, sezvayakanga zviri pakutanga, nazvino, nakare kose, nemisi isinga peri.

    Amen.

    Munamato Wemangwanani

    Yesu wangu wadiwa, heyi minamato yangu, hayayi mabasa angu, hokuyi kufara kwangu nokutambudzika kwangu kwanhasi. Amai venyu Maria Musande ngavatisvitsirewo izvi kunemi, kuti zvose zvamunoda imi zvigoitwa nhasi.

    Mwari wangu, ndimi vandinoitira nhasi uno, ndichifunga, ndichitaura, ndichibata basa, ndichirwara. Itai kuti ndiswere nhasi uno ndisina kukutadzirai, ndichiita zvamunoda zvoga.

    Amen.

    Baba vedu... Kwazivayi Maria... Vakudzwe Baba... Tinotendera Mwari.

    Kutenda kweMwoyo (Kutendera, Kutarisira, Kuda, Kupfidza)

    Kutendera: Mwari wangu ndinotenda imi chaizvo nazvose zvandinorayidzwa kutendera neKirike Katorike Apostorike, nokuti imi makatiudza izvi munoreva zviro kwazvo.

    Kutarisira: Mwari wangu ndinotarisira kwazvo kuti muchandipa nhasi uno girasiya renyu ratakawanirwa naYesu Kriste, kuti tigozofara naye kuDenga tafa. Ndinotarisira izvi, nokuti imi makatipa izvi, munoita zvamakatitsidzira.

    Kuda: Mwari wangu ndinokudai nomwoyo wangu wose, ndinokudai kupinda zvose, nokuti makakanaka, munokodzera kudiwa kwazvo. Nokuda kwenyu, ndinodawo vamwe sokuda kwandinozviita.

    Kupfidza: Yesu mambo wangu makandifira pachipiyaniso. Ndichitarira Chipiyaniso ndinoda kurega kutadza chose. Yesu wangu ndiregererei. Ndinokumbira kuti mundinzwirewo tsitsi. Handidi kukutadzai zvakare.

    Amen.

    Munamato weMwoyo waYesu

    Mwoyo waYesu waMwari, pindurai vatadzi, nunurai vanofa, buritsai mweya iri muPurugatorio. Yesu wangu makanakisa, ndidavirei. Kwazivai mununuri wangu.

    Mwari wangu, ndinoziva ndinofa, asi handizivi riniko, handizivi kupiko, handizivi seiko; asi ndinoziva kuti kana ndikafa norutadzo runouraya ndicharasirwa kumoto muzhinji. Mwoyo waYesu waMwari, kunemi ndinotarisira gracia rerufu rwakanaka, kuti ndife ndichishamwaridzana nemi kwemisi isingaperi.

    Amen.

    Munamato Wemanheru

    Muzita raBaba nereMwanakomana naMweya Musande. Amen.

    Baba vangu ndinotenda chose mandichengeta nokundisesedza kose kwandaswera. Zvino ndinokumbira kuvata zvakanaka ndiri mumaoko enyu. Vhenekerai moyo wangu kuti ndione kukutadzai kwandaita nhasi, ndipeiwo kupfidza nomwoyo wose.

    Kurangarira matadzo...

    Kupfidza: Yesu Mambo wangu makandifira pachipiyaniso. Ndichitarira Chipiyaniso ndinoda kurega kutadza chose. Yesu wangu ndiregerereiwo. Ndinokumbira kuti mundinzwirewo tsitsi. Handidi kukutadzai zvakare.

    Amen.

    Mariya Musande naYosefe Musande nemi vasande vose zvikuru, hama dzangu dziri kuna Mwari, ndikumbirireiwo kuti ndidzivirirwe usiku hwuno kurutadzo nezvakaipa zvose.

    Angere wangu makanaka, makaitwa Muchengeti wangu naMwari, garai neni. Mweya yaVatendi vakafa ngaizorore murugare netsitsi dzaMwari.

    Amen.

    Mwoyo waYesu waMwari, pindurai vatadzi, nunurai vanofa, buritsai mweya iri muPurugatorio. Yesu wangu makanakisa, ndidavirei. Kwazivai mununuri wangu. Mwari wangu, ndinoziva ndinofa, asi handizivi riniko, handizivi kupiko, handizivi seiko; asi ndinoziva kuti kana ndikafa norutadzo runouraya ndicharasirwa kumoto muzhinji. Mwoyo waYesu waMwari, kunemi ndinotarisira gracia rerufu rwakanaka, kuti ndife ndichishamwaridzana nemi misi isingaperi.

    Ask ZimCatholicSongs

    Hello! I'm your ZimCatholicSongs assistant. Ask me about hymns, prayers, the Bible, blog articles, or our latest videos — I'll point you to the right page. 🙏