Skip to main content

    Shona Catholic Hymn

    Jesu Anonamata Ari MuGetsimani

    Shona Catholic HymnHymn 179Lyrics available

    Hymn Lyrics

    179 Jesu Anonamata Ari MuGetsemani


    Jesu Anonamata Ari MuGetsemani - C. Takura

    M· Jesu anonamata ari muGetsemani
    V SIA Zvino akati kuvadzidzi vake --- garai pano, garai pano ndichambononamata
    B --- Akati kuvadzidzi vake ga-rai pano, garai-i-i, ndichambononamata

    Madetembo 1:

    l .Akatora Pita, Jemusi naJohane akatanga kusuwa kwazvo nokutambudzika
    2.Akati kwavari mweya wangu une shungu kwazvo kusvikira pakufa, rambai mugere pano makasvinura

    Madetembo 2:

    l.Akaenda pamberi, ndokuwira pasi, akanamata achiti-i
    2.Kana zvichibvira nguva iyoyi ngaimudarike-e akati Abha Baba munogona kuita zvose

    Chorus 1:

    V SIA Baba munogona kuita zvose-e bvisai-imukombe, bvisai mukombe,
    bvisai-i mukombe uyu pandiri-i, asi ngakurege kuva kuda, kwangu baba­ ngakuve kuda kwenyu
    B Baba munogona kuita zvose kana zvichibvira- bvisai mukombe bvisai mukombe uyu Baba, kuve kuda kwangu asi ngakuve kuda kwenyu

    Chorus 2:

    M· S Svinurai munamate -e
    M· SIA Svinurai munamate-e murege kupinda mukuedzwa Svinurai svinurai - murege kuedzwa - namatai murege mukuedzwa
    B Svinurai munamatee-e svinurai munamate murege kupinda mukuedzwa Svinurai munamatee svinurai murege kupinda mukuedzwa

    Madetembo 3:

    l.Zvino akadzoka akawana vakotsira akati kuna Pita Nhai Simoni ko makotsira here?
    2.Ko matadza kusvinura kwenguva imwe chete zvayo here?

    Chorus 3:

    SIA Kuda mwoyo unoda hawo---asi nyama yakaneta (x2)
    B Mwoyo unoda hawo nyama yakanetaha -a-a Mwoyo unoda hawo-o asi nyama yakaneta.

    Madetembo:

    l.Akadzokazve kechitatu akati kwavari, muchakangorara muchiramba henyu muvete, makazorora here?
    2. Izvozvi zvakwana nguva yasvika mwana womunhu anokurnikidzirwa mumaoko avatadzi
    3. Simuk:ai tiende tarirai hoyo anondipandukira uya wasvika

    “Sing to the Lord, all the earth; proclaim his salvation day after day.”

    1 Chronicles 16:23

    Ask ZimCatholicSongs

    Hello! I'm your ZimCatholicSongs assistant. Ask me about hymns, prayers, the Bible, blog articles, or our latest videos — I'll point you to the right page. 🙏