Hymn Lyrics
184 Jobho Aiva Munhu Aitya Mwari
Jobho Aiva Munhu Aitya Mwari - C. Teguru
M· SIA Jobho aiva munhu aitya Mwari Aiva munhu aitya Mwari
V SIA Akanga ari mutsvene- tsvene akanga akarurama achinzvenga zvakaipa
--- akawirwa nenhamo nematambudziko --- pakuparadzwa kwepfuma yake --- kwaiva kukuru kwazvo akatsungirira
T/B
Mutsvene- tsvene Jobho akarurama achinzvenga zvakaipa --- akawirwa
nenhamo --- nematambudziko --- pakuparadzwa kwepfuma yake kwaiva kukuru kwazvo --- akatsungirira
Detembo:
SIA Satani akaedza Jobho akarwadzisa Jobho namaronda, maronda akaipa
Chorus:
All
Akatora chaenga chaaizvikwenya nacho akazvikwenga-kwenga nacho akazvikwenya nacho
l.Kwakauya nbume kuna Jobho icbiti; mombe, ngamera, madhongi vaSebhiya
vakazvipamba vakauraya varanda namapakatwa
2.Kwakauya nhume kuna Jobho ichiti; vanakomana navanasikana venyu vakanga vari pakudya nokunwa waini dutu guru ndokuvhuvhuta rikavaparadza
3.Shamwari dzake dzakauya kwaari dzichindomubata maoko nokumunyaradza
4.Mwari akazopembedza Jobho nokumudzorera hutano, upfumi nevana
