Hymn Lyrics
186 Josefa Musande Makanaka
Josefa Musande Makanaka- J.K. Dzingai
Part 1:
M· Josefa Musande makanaka
V SIA Ndinoda kuti muve shamwari yangu yapamwoyo, ndinokukudzai, somuranda waMwari Baba, nomuchengeti waYesu Kristo, nomurume waMaria Musande
BII' Ndinoda kuti muve shamwari yangu yapamwo-yo, ndinokukudzai
somuranda waMwari, Baba - nomuchengeti waYesu nomurume waMaria Musande
M· Ndinokukudzai Josefa
VS/All' Tinokukudzai somurevereri, wedzimhuri nomurevereri wesangano nomuchengeti wavashandi
B Josefa tinokukudzai- Josefa tinokukudzai, Josefa
Part 2:
BII'
Mweya wangu
Ndinoisa mweya wangu nenyama yangu mumaoko enyu, ndidzivirireiwo kurutadzo rwose ndibatsireiwo kuda Mwari nomwoyo wangu wose, nokudawo kwangu norudo rwaMwari sezvamaiita
Mweya wangu nenyama yangu- ndidzivirirei, ndibatsireiwo kuda Mwari
... nomwoyo wangu, norudo rwaMwari - sezvamaiita
Madetembo:
1.Ndipeiwo rudo rwakadzika kuna Yesu naMaria
2.Zvikuru sei ndichigamuchira komuniyone sande uye ndichiita rusariro
3.Josefa Musande makanaka nchbatsire kuchengeta mweya wangu
4.Kuti rimwe zuva ndigogona k:uzokuonai muri pamwe chete naMwari namai Maria kudenga
5.Nomuminyengetero yenyu mhuri yedu inogona k:uzofara nemhuri sande kudenga kwemisi isingaperi
6.Josefa musande mutireverere -Amen
