Hymn Lyrics
193 Kana Tichidya Muviri WaMambo
Kana Tichidya Muviri WaMambo- C. Chawasarira
M· Kana tichidya muviri waMambo
Kudavira & Chorus:
All Kana tichidya muviri waMambo tichararama nokusingaperi, kana tichidya muviri waMamboho tichararama nokusingaperi
Madetembo:
l. Rumbidza Mambo iwe mweya wangu ndicharumbidza Mambo ndichiri mupenyu. Muviri waMambo
2. Regai kuvimba namadzishe namachinda asingagoni kukubatsirai . Muviri waMambo
3. Anofara munhu uyo kana Mwari ari mubatsiri wake . Muviri waMambo
4.Iye akaita denga napasii negungwa nazvose zviri mukati mazvo Muviri
waMambo
S.Iye anoramba akatendeka nokusingaperi anoruramisa vanomanikidzwa. Muviri waMambo
6. Mwari anosunungura vasungwa Mwari anosvunudza meso amapofu. Muviri
waMambo
7. Mwari anosimudza vakakotamiswa pasi Mwarii anoda vakarurama . Muviri waMambo
8. Mwari anochengeta vatorwa Mwari anotsigira nherera nechirikadzi . Muviri
waMambo
9. Mwari anobata umambo nok:usingaperi ndiye Mwari wamarudzi ose. Muviri waMambo
