Skip to main content

    Shona Catholic Hymn

    Pindukirai Kuna Mwari

    Shona Catholic HymnHymn 857Lyrics available

    Hymn Lyrics

    857 Pindukirai Kuna Mwari


    Pindukirai Kuna Mwari -J. V. Chinondo

    M· SIA Pindukirai kuna Tenzi Mwari wedu
    V SIA Pindukirai- pindukirai kuna Tenzi Mwari wedu, muise zvitadzo zvenyu, pamberi pake mumuteterere-e murege kumutadzira pakare . Tendeukirai kuna iye wokumusorosoro - mufuratire zvisakarurama zvenyu-u murege zvinomusemesa-a sezvinoita vapenyu vanomutenda.
    BIT --- Pindukirai kuna Tenzi --- kuna Tenzi Mwari wedu ...pindukirai mumuteterere --- murege kumutadzira .
    Tendeukirai kuna Tenzi mufuratire --- zvisakarurama murege zvinosemesa-a sezvinoita vanhu vanomutenda.

    Madetembo:

    1.Kuregerera kwaMwari kukuru kwazvo kuvanhu vanotendeukira kwaari.
    2.Mwari wokumusorosoro acharumbidzwa navanhu vapenyu vanomutenda.
    3.Ndianiko acharumbidza wokumusorosoro munzvimbo yevakafa.
    4.Isu vanhu hatigoni kuva nezvinhu zvose nokuti munhu munhu anofa.

    Chorus:

    S/A Tsitsi dza-Tenzi Mwari wedu dzakawanda kwazvo: tsitsi dza-Mwari kuregerera vanotendeukira kwaari-i- tsitsi dza-Mwari-i tsitsi dza-Tenzi dzakawanda kwazvo.
    BIT --- Tsitsi dza-Tenzi Mwari --- tsitsi dza-Tenzi kuregerera vanotendeukira kwaari itsitsi dza-Mwari-i tsitsi dza-Tenzi dzakawanda kwazvo .

    “Sing to the Lord, all the earth; proclaim his salvation day after day.”

    1 Chronicles 16:23

    Ask ZimCatholicSongs

    Hello! I'm your ZimCatholicSongs assistant. Ask me about hymns, prayers, the Bible, blog articles, or our latest videos — I'll point you to the right page. 🙏