Skip to main content

    Shona Catholic Hymn

    Rudo Runopfava Uye Rune Mutsa

    Shona Catholic HymnHymn 874Lyrics available

    Hymn Lyrics

    874 Rudo Runopfava Uye Rune Mutsa


    Rudo Runopfava Uye Rune Mutsa- R.A. Zinyohwera

    M· Rudo runopfava uye rune mutsa
    V SIA Rudo runopfava uye rune mutsa haruna shanje harudadi- harutsamwi­ haruvirimi -haruchengeti mafi ezvakaipa zvinoitwa navanhu
    B Rudo runopfava uye rune mutsa haruna shanje rudo -harutsamwi haruvirimi haruchengeti mafi - zvinoitwa navanhu

    Madetembo:

    1.Ndingagona hangu kutaura ndataura mitauro yavanhu neyavatumwa vaMwari, ndisina rudo runongova ruzha chete
    2. Ndingava nechipo chokuziva zvose nokunzwisisa zvose kuparidza sendasvikirwa kusudurutsa makomo, ndisina rudo handisi chiro
    3. Ndingagona hangu kupa zvose zvandinazvo kana muviri wangu kuti upiswe, ndisina rudo zvose hazvindibatsiri ·
    4. Kusvikirwa kuchapera kutaura nendimi kuchapera ane rudo ndiye mukuru rudo rukuru kukunda zvose

    Chorus:

    SIA Rudo harupererwi norudaviro uye rune tsungiriro runogara ruripo narini
    B Rudo harupererwi norudaviro --- rudo --- ruripo narini

    “Sing to the Lord, all the earth; proclaim his salvation day after day.”

    1 Chronicles 16:23

    Ask ZimCatholicSongs

    Hello! I'm your ZimCatholicSongs assistant. Ask me about hymns, prayers, the Bible, blog articles, or our latest videos — I'll point you to the right page. 🙏