Hymn Lyrics
96 Hama Dzangu Munoziva Kuti
Hama Dzangu Munoziva Kuti -A. Gumbo
M· Hama dzangu munoziva kuti-i
V SIA Kana musasa watinogara pasi pano ukapazwa-a tine imba-a iri kudenga B Kana musasa watinogara pasi pano --- tine imba - iri kudenga
Madetembo:
l.Imba yatakagadzirirwa naMwari
2.Imba isina kuvakwa namaoko avanhu
3.Kufamba kwedu pasi pano ndokokungotungamirirwa nechitendero kwete kokumuona
4.Zviri nani kuti tibve mumuviri tonogara pana Mambo
Chorus:
SIA Saka takatsunga sezvo tiri mumuviri tiri kure naMambo tichinge vadzingwi
B --- Takatsunga-a tiri mumuviri tiri kure naMambo tichinge vadzingwi
