Skip to main content

    Shona Catholic Hymn

    Handikodzeri Mambo

    Shona Catholic HymnHymn 99Lyrics available

    Hymn Lyrics

    99 Handikodzeri Mambo


    Handikodzeri Mambo- J. Makaure

    M· Handikodzeri Mamboo kuti mupinde muneni
    V: SIA Mamboo handikodzeri kuti mupinde muneni ingotaurai inzwi chete mweya wangu uponeswe
    B Mamboo handikodzeri kuti mupinde muneni ingotaurai inzwi chete mweya wangu mweya wangu uponeswe

    Madetembo:

    l.Mweya wangu rumbidza Mwari, mukati mangu mose rumbidza zita rake sande
    2.Mweya wangu rumbidza Mwari, usakanganwa wakaitirwa naye zvakanaka
    3.Iye anoregerera zvikanganiso zvose, anokuporesa paurwere hwako hwese
    4.Iye anodzikinura rupenyu rwako, anokomborera makore ose orupenyu rwako
    5.Mwari akaita basa rakarurama, akaitira vanotambudzwa zvakarurama
    6.Mwari ndiye rudo netsitsi, anononoka kutsamwa azere norudo
    7.Haatiitiri sezvakafanira zvikanganiso zvedu, haatirovi sezvakafanira zvivi zvedu

    Chorus:

    SIA Mambo ingotaurai inzwi chete mweya wangu uponeswe
    B -Ingotaurai inzwi chete mweya wangu mweya wangu uponeswe

    “Sing to the Lord, all the earth; proclaim his salvation day after day.”

    1 Chronicles 16:23

    Ask ZimCatholicSongs

    Hello! I'm your ZimCatholicSongs assistant. Ask me about hymns, prayers, the Bible, blog articles, or our latest videos — I'll point you to the right page. 🙏