Skip to main content

    Munamato Wemangwanani

    Munamato wechiKatorike wekuseni muchiShona — Morning Prayer in Shona

    Munamato Wemangwanani

    Yesu wangu wadiwa, heyi minamato yangu, hayayi mabasa angu, hokuyi kufara kwangu nokutambudzika kwangu kwanhasi. Amai venyu Maria Musande ngavatisvitsirewo izvi kunemi, kuti zvose zvamunoda imi zvigoitwa nhasi.

    Mwari wangu, ndimi vandinoitira nhasi uno, ndichifunga, ndichitaura, ndichibata basa, ndichirwara. Itai kuti ndiswere nhasi uno ndisina kukutadzirai, ndichiita zvamunoda zvoga.

    Amen.

    Baba vedu... Kwazivayi Maria... Vakudzwe Baba... Tinotendera Mwari.

    Kutendera

    Mwari wangu ndinotenda imi chaizvo nazvose zvandinorayidzwa kutendera neKirke Katorike Apostorike, nokuti imi makatiudza izvi, munoreva zviro kwazvo.

    Amen.

    Kutarisira

    Mwari wangu ndinotarisira kwazvo kuti muchandipa nhasi uno girasiya renyu ratakawanirwa naYesu Kriste, kuti tigozofara naye kuDenga tafa. Ndinotarisira izvi, nokuti imi makatipa izvi, munoita zvamakatitsidzira.

    Amen.

    Kuda

    Mwari wangu ndinokudai nomwoyo wangu wose, ndinokudai kupinda zvose, nokuti makanaka, munokodzera kudiwa kwazvo. Nokuda kwenyu, ndinodawo vamwe sokuda kwandinozviita.

    Amen.

    Kupfidza

    Yesu mambo wangu makandifira pachipiyaniso. Ndichitarira Chipiyaniso ndinoda kurega kutadza chose. Yesu wangu ndiregererei. Ndinokumbira kuti mundinzwirewo tsitsi. Handidi kukutadzai zvakare.

    Amen.

    Munamato weMwoyo waYesu

    Mwoyo waYesu waMwari, pindurai vatadzi, nunurai vanofa, buritsai mweya iri muPurugatorio. Yesu wangu makanakisa, ndidavirei. Kwazivai mununuri wangu.

    Mwari wangu, ndinoziva ndinofa, asi handizivi riniko, handizivi kupiko, handizivi seiko; asi ndinoziva kuti kana ndikafa norutadzo runouraya ndicharasirwa kumoto muzhinji. Mwoyo waYesu waMwari, kunemi ndinotarisira gracia rerufu rwakanaka, kuti ndife ndichishamwaridzana nemi kwemisi isingaperi.

    Amen.

    Ask ZimCatholicSongs

    Hello! I'm your ZimCatholicSongs assistant. Ask me about hymns, prayers, the Bible, blog articles, or our latest videos — I'll point you to the right page. 🙏