Hymn Lyrics
695 Ndichaimbira Tenzi
Ndichaimbira Tenzi- Fr A . Maringe
M· S Ndichaimbira Tenzi nokuti akabudirira zvikuru
V All Tenzi ndiye simba rangu, ndiye Mwari wangu ndichamurumbidza ndiye wandichakudza
Madetembo:
1.Rudyi rwenyu imi Tenzi rwakarumbidzwa nesimba rarwo
2. Tenzi ndiyaniko akaita semi pamukurumbira woutsvene
3.Inga munotyisa kwazvo pamabasa enyu anorumbidzwa
Chorus:
SIA Makafambisa vanhu vamakadzikinura makavaperekedza kuugaro hwenyu
buya
B Makafambisa vanhu ava- nenyasha dzenyu --- nesimba renyu kuugaro
hwenyu hunoera
