Hymn Lyrics
731 Ndinoda Mwari
Ndinoda Mwari- Sr Do/ores Nyathi (HLMC)
M· SIA Ndinoda Mwari nokuti anonzwa izwi rangu
V SIA Misungo yorufu yakandikomba ndakawana kutambura nokuchema ipapo ndakadana zita raMambo
B Misungo yorufu yakandikomba --- misungo yorufu yakandikomba -- ndakadana zita raMambo
Madetembo:
1.Ndakange ndashaiwa simba ivo vakandiponesa
2.Mwari vane mwoyo muchena vane tsitsi zvirokwazvo- vakarurama
3.Ndichafamba ndichafamba pamberi Mwari munyika yavapenyu
4.Zorora hako zorora hako mweya wangu
Chorus:
Ipapo ndakadana zita raMambo Mwari vane tsitsi
--- Ndakadana zita raMambo Mwari vane tsitsi
