Hymn Lyrics
90 Hadziperi Ndangariro
Hadziperi Ndangariro- C. Takura
M Hadziperi ndangariro
V: SIA Ndangariro dzomwoyo waMambo, hadzitongoperi, ndangariro dzomwoyo waMambo, ndangariro dzomwoyo waMambo, hadzitongoperi
B Ndangariro dzomwoyo waMambo, hadzitongoperii, ndangariro, ndangariro dzomwoyo waMambo, hadzitongoperi
Madetembo :
l.Farisai munaMwari imi vakarurama, rumbidzai Mambo nembira
2.Muimbirei rwiyo rwutsva ridzai zvakanaka nokuridza kukuru
3.Anoita zvose nokutendeka nyika izere nounyoro hwake
4. Rwakomborerwa rudzi rwakaita Yave Mwari warwo rudzi rwaak:atsaura kuva nhak:a yak:e .
5. Mambo anotarira ari kudenga anoona vanakomana vose vevanhu.
6.Anorwira mweya yavo parufu nokuvararamisa panguva yenzara .
7.Nokuti mwoyo yedu inofara kwazvo maari zvatinovimba nezita rake dzvene.
