Nzira Yechipiyaniso
Stations of the Cross — Zvimiso 1–12 muchiShona
Chimiso 1
Yesu asine mhaka arikutongerwa kufa naPonsiyo Pirato
M Tinokupfugamirai, Kristo Mambo, tinokurumbidzai.
V Zvamakanunura vanhu vose nechipiyaniso chenyu chisande.
M Ngatirangarirei: Yesu wakabuda mumba maKaifasi, umo akanga atukwa. Akabuda zvekwaHerode, apo akanga asekwa. Zvino pana Ponsiyo Pirato iye musiki anotongwa nechisikwa, iye Mwari anotongwa nomutadzi. Mutongiwacho idera uye vamangari vazere nhema namakuhwa. Yesu akavinga kuti vanhu vave noupenyu, asi ivo vanomutongera kufa.
M Yesu, makatakura matadzo edu ose.
V Makapira isu hama dzenyu upenyu hwenyu.
M Ngatinamatei: Yesu madiwa, zvakaitika apa hazvinakuitika kamwe chete, zvikapera. Zuva rimwe nerimwe munotongwa saizvozvo, nokuti nokutadza kwedu tinokufuratirai. Tiregerereiwo kuti pazuva rokutongwa kwedu tiwane mufaro usingaperi.
M Kristo Mambo, makarovererwa pachipiyaniso. V Tinzwireiwo tsitsi.
Rwiyo:
Amai vangu vasande, Maronda o Mununuri, Nditsikirei mumwoyo.
Chimiso 2
Yesu ari kutakudzwa Chipiyaniso
M Tinokupfugamirai, Kristo Mambo, tinokurumbidzai.
V Zvamakanunura vanhu vose nechipiyaniso chenyu chisande.
M Ngatirangarirei: Yesu anofanira kufarufu runosvodesa. Somuipi achaturikwa pachena padandare chipiyaniso. Zvino vapondi vanouyanacho nokuchiisa pamafudzi ake. Mununuri wedu anochigumbatira nomwoyo wakashinga.
M Yesu, makatakura matadzo edu ose.
V Makapira isu hama dzenyu upenyu hwenyu.
M Ngatinamatei: Yesu madiwa, munotakura mutoro wedu. Asi isu kazhinji tinoramba kana kunzvenga chipiyaniso, kubvira matambudziko atinenge takaremedzwa nawo. Itai kuti tirege kukanganwa mashoko enyu okuti, "Uyo asingadi kutakura chipiyaniso chake achinditevera haakodzeri kuva wangu" (Mt. 10,38).
M Kristo Mambo, makarovererwa pachipiyaniso. V Tinzwireiwo tsitsi.
Rwiyo:
Yesu Kristo achifira Uko pachipiyaniso, Amai kwazvo vachema.
Chimiso 3
Yesu awira pasi nekuremerwa neChipiyaniso
M Tinokupfugamirai, Kristo Mambo, tinokurumbidzai.
V Zvamakanunura vanhu vose nechipiyaniso chenyu chisande.
M Ngatirangarirei: Yesu waneta, arukutika. Shungu yake yomumunda, kusagona kuvata, kuvhunzwa zve navatongi, kupurwa pamutsigo nokupfekedzwa ngundu yeminzwa – zvose izvi zvamupedza. Anowira pasi achitsimbirirwa nechipiyaniso.
M Yesu, makatakura matadzo edu ose.
V Makapira isu hama dzenyu upenyu hwenyu.
M Ngatinamatei: Yesu madiwa, kuwa kwedu kwakasiyana nokwenyu. Imi munowira pasi munzira yechipiyaniso, isu tinowira mumatadzo. Imi makashingairira kutiponesa, asi isu tinozvifadza nokuchinyakwedu. Tinochema tichinyara zvivi zvedu. Mutisimudze nokutibudisa mumatadzo edu.
M Kristo Mambo, makarovererwa pachipiyaniso. V Tinzwireiwo tsitsi.
Rwiyo:
Mwoyo wavo wakatsvira, Mwanawavo wabayiwa Pazvanza, pamakumbo.
Chimiso 4
Amai Mariya vari kusangana nomwanawavo munzira
M Tinokupfugamirai, Kristo Mambo, tinokurumbidzai.
V Zvamakanunura vanhu vose nechipiyaniso chenyu chisande.
M Ngatirangarirei: Zviya vakafemberwa naSimiyoni nhasi zvoitika. Mai havagoni kukurukurirana nomwanawavo, nokudaro vanoshungurudzwa mwoyo. Vose vari vaviri vanofane shungu vachigoverana matambudziko. Asi vanotsigirana norudo rukuru runosimbisa vose vari kuita kuda kwaMwari.
M Yesu, makatakura matadzo edu ose.
V Makapira isu hama dzenyu upenyu hwenyu.
M Ngatinamatei: Yesu madiwa, imi hamunakukwasha nyaradzo mumatambudziko kunyangwe kunaa vo vapamwoyo penyu. Nguva dzose isu tinoda kunyaradzwa, asi nyaradzo yezviro kwazvo tinoiwana mamuri chete. Nokuti ndimi upenyu, ndimi nzira yedu inotigonesa kusvika kwamuri.
M Kristo Mambo, makarovererwa pachipiyaniso. V Tinzwireiwo tsitsi.
Rwiyo:
Isu tose tinochema Tichitarisa Mariya, Amai vachigomera.
Chimiso 5
Simiyoni weSirene ari kutakudzwa Chipiyaniso chaYesu
M Tinokupfugamirai, Kristo Mambo, tinokurumbidzai.
V Zvamakanunura vanhu vose nechipiyaniso chenyu chisande.
M Ngatirangarirei: Simiyoni zvako mugoni wayamura Yesu mumatambudziko ake. Zvinotisimbisa sei kuziva kuti Mambo afadzwa newe womuno muAfrika. Asi chokwadi hapana chandingachochora pana Simiyoni, nokuti nyangwe nhasi ndingagona kuitawo zvaakaita iye. Yesu wakati "Zvamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu ndiyeni wakare wamakazviitira" (Mateo 25, 40).
M Yesu, makatakura matadzo edu ose.
V Makapira isu hama dzenyu upenyu hwenyu.
M Ngatinamatei: Yesu madiwa, muti unovavandiwo unorapa. Makabatsira Simiyoni negomborero rokutakura chipiyaniso nechido. Tinochema kwamuri kuva Simiyoni muzviito zvedu. Zarurai meso edu kuti tibatsire hama dzedu dziri mumatambudziko, tigova zvinungu zvinemiseve yomufaro tigorerutsa rupenyu rwavamwe norwedu. Chido ndiwo mambure okukwevera vamwe kwamuri.
M Kristo Mambo, makarovererwa pachipiyaniso. V Tinzwireiwo tsitsi.
Rwiyo:
Vakaona mwanawavo Achitambudzika kwazvo Achitifira isu.
Chimiso 6
Veronika ari kupukuta huso hwaYesu
M Tinokupfugamirai, Kristo Mambo, tinokurumbidzai.
V Zvamakanunura vanhu vose nechipiyaniso chenyu chisande.
M Ngatirangarirei: Ropa rinochururuka pauso hwaYesu. Yesu anotadza kuona. Veronica, mudzimai wetsiye nyoro, anoverevedza pakati pegurusvusvu ravanhu vazere ruvengo kundonyaradza mununuri wake. Anobvisa dhuku yake achipukuta nayo uso hwaYesu. Yesu anomutusa achizvipa kunaye mumufananidzo wechiso chake.
M Yesu, makatakura matadzo edu ose.
V Makapira isu hama dzenyu upenyu hwenyu.
M Ngatinamatei: Yesu madiwa, rupenyu rwedu ngaruve mucheka waVeronika kuti rupukute nokubvisa kutambura kwavamwe vedu. Varege kuona isu asi imi matiri. Tive nyaradzo kuna vose vatinosangana navo; tipeiwo kushinga kwaVeronika kuti tirege kutya kuita zvakarurama.
M Kristo Mambo, makarovererwa pachipiyaniso. V Tinzwireiwo tsitsi.
Rwiyo:
Vakaona Muponesi Achirwadzwa namaronda Pa'msana pamatadzo.
Chimiso 7
Yesu awira pasi zvakare
M Tinokupfugamirai, Kristo Mambo, tinokurumbidzai.
V Zvamakanunura vanhu vose nechipiyaniso chenyu chisande.
M Ngatirangarirei: Yesu ava kufamba achidzengedzeka, achitatarika, achidzungaira anowira pasi pakare. Mutoro wamatadzo edu wakaisvo rema. Asi rudo rwake rwokutinunura runomumutsazve. Anofamba netsungo achienda kurufu rwake.
M Yesu, makatakura matadzo edu ose.
V Makapira isu hama dzenyu upenyu hwenyu.
M Ngatinamatei: Yesu madiwa, imi hamuiti chinya kana tichikutadzai. Tipeiwo mwoyo wakafanana nowenyu usingacheukishure, mwoyo usingazezi kurema kwechipiyaniso. Tibetserei negomborero renyu kuti tikunde miviri yedu ino utera pamusana pamatadzo edu.
M Kristo Mambo, makarovererwa pachipiyaniso. V Tinzwireiwo tsitsi.
Rwiyo:
Nani asingatombochema Achirangarira Mariya Pamwe naYesu.
Chimiso 8
Vakadzi veJerusarema vanochema Yesu
M Tinokupfugamirai, Kristo Mambo, tinokurumbidzai.
V Zvamakanunura vanhu vose nechipiyaniso chenyu chisande.
M Ngatirangarirei: Madzimai eYerusarema anotarisa Yesu nemisodzi padama. Misodzi ndeyokubayiwa mwoyo vachiona munhu achitambura zvakadai asina chaakatadza. Yesu anotendeukira vakadzi ava nokuvanyaradza pamwe nokuvayeudzwa kushatakwakaitamatadzo avo, achiti, "Vakunda veYerusarema, musandicheme ini, asi zvichemei imi navana venyu" (Ruka 23,28).
M Yesu, makatakura matadzo edu ose.
V Makapira isu hama dzenyu upenyu hwenyu.
M Ngatinamatei: Yesu madiwa, munodakutidzidzisa kutirira minzwa namasoso anouya zuva nezuva murupenyu rwedu. Tatoona zvino kuti nokutamburira vamwe tinokwezvera kwamuri nyangwe vaya vanga vaomesa mwoyo. Manzwi igasva anozadziswa nezviito.
M Kristo Mambo, makarovererwa pachipiyaniso. V Tinzwireiwo tsitsi.
Rwiyo:
Ngatigoverane nemi Kutambudzika kwaYesu Kwaakatirwadzirwa.
Chimiso 9
Yesu awira pasi kechitatu
M Tinokupfugamirai, Kristo Mambo, tinokurumbidzai.
V Zvamakanunura vanhu vose nechipiyaniso chenyu chisande.
M Ngatirangarirei: Hoyo Yesu waputsika rwetatu, haachagoni nokusimudza ruoko. Zvinodambura mwoyo kuona murume wakasvikaachishaya simba kudai. Chii chasakisa izvi! Mufaro wedu mukusindimari ramumatadzo tichiziva tichida ndiwo wamupondamunhu uyu worudo.
M Yesu, makatakura matadzo edu ose.
V Makapira isu hama dzenyu upenyu hwenyu.
M Ngatinamatei: Yesu madiwa, ko isu tinowira murutadzo kangani! Kazhinji chose. Nguva zhinji tinochera chikomba pasi nokupfiramate tichiti, 'Hatichapamhidzi'. Asi noutera hwedu tinovhukunura zvatakacherera pasi nokuwira murutadzo zvekare. Yesu madiwa, pengenusai meso edu tione uipi hworutadzo.
M Kristo Mambo, makarovererwa pachipiyaniso. V Tinzwireiwo tsitsi.
Rwiyo:
Ndiani asingatombochema Achirangarira Mariya Pamwe naYesu.
Chimiso 10
Yesu ari kukutunurwa hanzu dzake
M Tinokupfugamirai, Kristo Mambo, tinokurumbidzai.
V Zvamakanunura vanhu vose nechipiyaniso chenyu chisande.
M Ngatirangarirei: Yesu anobviswa hanzu pazere vanhu nokusara ave bunumunu achionekwa nani naani wose. Vanokwatura nguo dzanga dzanamira pachenyengurwa nejamboko; muviri wose wangovaronda rimwe.
M Yesu, makatakura matadzo edu ose.
V Makapira isu hama dzenyu upenyu hwenyu.
M Ngatinamatei: Yesu madiwa, munobvumazvenyu kushorwa nokunyadziswa kudaro kuti muripire matadzo ose okupanga kana okuita zvinonyadza. Kuti tikutunure munhu musharu tinofanira kuva neshungu dzokuzvikwatanura tsika dzedu dzakaipa nazvose zvinotitadzisa kumhanyira kuna Mwari.
M Kristo Mambo, makarovererwa pachipiyaniso. V Tinzwireiwo tsitsi.
Rwiyo:
Ngatiyeuke maronda, Akatirirwa naYesu Pamusana pedu.
Chimiso 11
Yesu ave kurovererwa pachipiyaniso
M Tinokupfugamirai, Kristo Mambo, tinokurumbidzai.
V Zvamakanunura vanhu vose nechipiyaniso chenyu chisande.
M Ngatirangarirei: Sando inorovererwa nayo hoko dzesimbi iri kunzwika kuti ngo-ngo-ngo, asi hoko dziri kupinda paiko? Munyama yaYesu! Uyo chete asina mwoyo ndiye anogona kutarisa. Mwanakomana waMwari anovanzarikwa pachipiyaniso nechisikwa. Chokwadi mhondi idzi dzakasvinuka.
M Yesu, makatakura matadzo edu ose.
V Makapira isu hama dzenyu upenyu hwenyu.
M Ngatinamatei: Yesu madiwa, zvataziva kuti matadzo edu ndidzo hoko dzinokubayai, kusada kutsungairi iyo sando, tinokumbira kuti mutsigire chido chedu tishingairire kurasa izvi zvose. Tichirangarira kuti makatambura sei pamusana pokuda isu, tinoda kukuratidzai kutenda kwedu tichiita kuda kwenyu.
M Kristo Mambo, makarovererwa pachipiyaniso. V Tinzwireiwo tsitsi.
Rwiyo:
Hoko ndefu dzakabaya. Tsoka dzake namaoko. Mariya achiona.
Chimiso 12
Yesu ari kufira pachipiyaniso
M Tinokupfugamirai, Kristo Mambo, tinokurumbidzai.
V Zvamakanunura vanhu vose nechipiyaniso chenyu chisande.
M Ngatirangarirei: Yesu anorembera pachipiyaniso chinova ndiyo Atari yakatunhumadzwa; wonyatsoona masoja navamwe vanhu vachigadaidzana vachimusveeredza. Yesu haatsividzi, haasarudzi pakununura kwake. Kunyangwe muteuro wazara kuti tuba, murudo rwake anotipa zve mai vake.
M Yesu, makatakura matadzo edu ose.
V Makapira isu hama dzenyu upenyu hwenyu.
M Ngatinamatei: Yesu madiwa, matambanudzamaoko enyu kuti mumbundikire vanhu vose vose. Munotidana asi isu mukutadza kwedu tinowanzodavira tichiti, "Handidi kuuya kwamuri". Shure kwechipiyaniso chenyu hakuna munhu kuitira kuti anokudai awane pokuzviroverera. Zvino tinoda kuva pedyo nemi, nokuti vanodana havasiyani.
M Kristo Mambo, makarovererwa pachipiyaniso. V Tinzwireiwo tsitsi.
Rwiyo:
Kana isu tichitadza, Tinobaya Mununuri Nomwoyo wa'maivake.